Amos 5

Kuchema nokudanidzira kuti vanhu vatendeuke

1Inzwai shoko iri, imi imba yaIsraeri, kuchema uku kwandinoita pamusoro penyu:

2“Yawira pasi Mhandara Israeri,
haingazosimukizve,
akasiyiwa ari oga munyika yake,
pasina angamusimudza.”
3Zvanzi naIshe Jehovha:

“Guta richaendesa varwi chiuru vakasimba pakati peIsraeri
richasarirwa nezana chete;
guta richaendesa varwi zana
vakasimba richasarirwa negumi chete.”
4Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri:

“Nditsvakei murarame;
5musatsvaka Bheteri,
musaenda kuGirigari,
musaita rwendo rwokuenda kuBheerishebha.
Nokuti zvirokwazvo Girigari ichaendeswa kuutapwa,
uye Bheteri richava sapasina chinhu.”
6Tsvakai Jehovha mugorarama,
mukasadaro achatsvaira imba yaJosefa sezvinoita moto;
uchaparadza,
uye Bheteri richashaya anoudzima.

7Imi vanoshandura kururamisira muchikuita gavakava
uye muchikandira kururama pasi
8(Iye akaita nyeredzi dzeChimutanhatu neOrioni,
anoshandura rima richiva mambakwedza,
uye anoita kuti zuva risvibe huve usiku,
anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika,
Jehovha ndiro zita rake,
9anoparadza nhare pakarepo uye anoita
kuti guta rina masvingo rive dongo),
10munovenga anorayira padare
uye munozvidza anotaura chokwadi.

11Munotsika pamusoro pomurombo
muchimumanikidza kuti akupei zviyo.
Naizvozvo, kunyange makavaka dzimba huru dzamabwe,
hamungagari madziri;
kunyange makasima minda yakasvibira yemizambiringa,
hamunganwi waini yayo.
12Nokuti ndinoziva kuwanda kwemhosva
dzenyu nokukura kwakaita zvivi zvenyu.

Munodzvinyirira vakarurama uye munotora fufuro,
uye munoshayisa varombo kururamisirwa pamatare.
13Naizvozvo munhu akangwara anonyarara panguva dzakadai,
nokuti inguva dzakaipa.

14Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa,
kuti murarame.
Ipapo Jehovha Mwari Wamasimba Ose achava nemi,
sezvamunoti ndizvo zvaari.
15Vengai zvakaipa, mude zvakanaka;
chengetedzai kururamisira mumatare.
Zvichida Jehovha Mwari Wamasimba Ose
achanzwira tsitsi vakasara vaJosefa.
16Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Mwari Wamasimba Ose,

“Muchava nokuchema mumigwagwa
yose nemhere yokurwadziwa pazvivara zvose.
Varimi vachadanwa kuti vazochema
uye vanochema vazoungudza.
17Kuchava nokuungudza muminda yose yemizambiringa,
nokuti ndichapfuura napakati penyu,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

Zuva raJehovha

18Mune nhamo imi
munoshuva zuva raJehovha!
Sei muchishuva zuva raJehovha?
Zuva iro richava rima kwete chiedza.
19Zvichaita somunhu akatiza shumba
achibva asangana nebere,
sokunge akapinda mumba
make ndokubata madziro noruoko rwake
achibva arumwa nenyoka.
20Ko, zuva raJehovha haringavi rima here,
kwete chiedza, rima guru, risina kana bwerazuva?

21“Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu yechinamato;
handifadzwi neungano dzenyu.
22Kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo,
handingazvigamuchiri.
Kunyange mukandivigira zvipiriso zvakaisvonaka zvokuwadzana,
handingavi nehanya nazvo.
23Ibvai pamberi pangu noruzha rwenziyo dzenyu!
Handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.
24Asi kururamisira ngakuyerere sorwizi,
kururama sorukova rusingapwi!

25“Makandivigira zvibayiro nezvipiriso
makore makumi mana muri murenje here, nhai imba yaIsraeri?
26Makasimudzira temberi yamambo wenyu,
chitsiko chezvifananidzo zvenyu,
nyeredzi yamwari wenyu,
wamakazvigadzirira.
27Naizvozvo ndichakutamisai muende mberi kweDhamasiko,”
ndizvo zvinotaura Jehovha ane zita rinonzi Mwari Wamasimba Ose.
Copyright information for SnaBDSC